VaMugabe: Bumbiro idzva haritadzise sarudzo

vaMugabe vanoratidza kusafara netsika dzeMDC

 

 Pamusangano we makumi masere nemana we Zanu Pf central commitee va Mugabe vakati hakuna sungano nyangwe ye SADC kunyangwe imwe ipi zvayo yakafanira kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika ye Zimbabwe.Izvi Zvakatevera mushure mekunge M.D.C yataura nesangano re SADC Kubudikidza nemutungamiri we South Africa va JACOB Zuma kuti vaone kuti vangagadzirisa seiko Mavhoti emu Zimbabwe.Vakaindirira mberi vachiti munhu kana achiedza kugadzirisa nyaya haatauriri vanhu zvokuita asi kuti imi varidzi venyaya ndimi munotaura zvamunoda kuti zviitwe zvichienderana nemitemo yenyika ye Zimbabwe. VaMugabe vakataurira bato  re MDC kuti masangano eSADC kana AU haana kodzero ye kutirairidza mateongerwo enyika yedu., vakaenderera vachiti Zimbabwe inyika yakazvimirira yega saka hapana akafanira kutitaurira zvatinofanira kuita muimba yedu
 VaMugabe vakatizve kunyangwe vanhu vakaramba bumbiro idzva riri kunyorwa, hurumende ine kodzodzero rekushandisa bumbiro reLancaster rakanyorwa mugore ra1979 http://www.rhodesia.nl/lanc1.html .  
Mukutaura kwavo va Mugabe vakati MDC iri kuidza kusairira mavhoti kugore rinouya mumwedzi wa Chivabvu nekuda kwemhirizhonga munyika izvo zvisina umboo. Vvakati nyaya yemhrizhonga ndeyemanyepo. Vakabva vakurudzira nhengodzesangano ravo kuti dzigadzirire sarudzo gore rino.
VaMugabe vakaratidza kukakahadzika kuti kune  vamwe vatungamiri  ve Zanu Pf vakavhotera Va Lovemore Moyo pasarudzo demuriri wedare reparamende. VaLovemore Moyo vebato reMDC vakakunda vaSimon Khaya Moyo pasarudzo dzakaitwa nemakurukota eparamende anosanganisira vemapato eMDC neZanu PF. Kukunda kwavaLovemore Moyo kwakaratidza kuti kwaive nevamiriri vatatu veZanu PF vakavavhotera.

VaMugabe vakati vamirir veZanu Pf vakavhotera vaLovemore Moyo havana kutendeseka, mumashoko avo ekuratidza kusafara nezvakaitwa nevamiriri ava vaMugabe vakati. “…ko wakambonzi nani pinda muZanu-PF? Ko chiendaka kwaTsvangirai kwacho.
"Tinenge tichitarisira kuti ukawana musikana weMDC, achapinduka kwete kuti wotorwa woendwa newe."