Chakafukidza Dzimba Matenga
Musha usina matare chokwadi musha iwoyo wakafa; saka pano paZimunetradio pane chirongwa chechakafukidza dzimba matenga. Pachirongwa chechaka tinokurukura nyaya dzinonetsa mudzimba dzedu, dzinosanganisira zvinonetsa vakaroorana, vakarambana, varikuda kurambana, varikuda kuroorana nezvimwewoka zvinonetsa.
Chakafukidza dzimba matenga chirongwa chevabva zera, zvichireva kuti unofanira kuva nemakaore gumi nemasere, vanyarikani moteererawo chiringwa muri pakasiyana, chikodzero chiri chekuti panokurukurwa nyaya dzakadai dzimwe nguva panotaurwa mazwi akarema. Vateereri, chirongwa ichi ndechenyu mose, nokudaro munokurudzirwa kunyorera kuchirongwa, nenyaya dzenyu, zvose zvinokukunetsai, uyezve makasunguka kufonea panguva dzechirongwa muchitipawo pfungwa dzenyu pamusoro pemyaya inenge iri mudaririo. Rangarirai kuti mbudzi kuzvarira pavanhu hunzi nditandirwe imbwa, naizvozvo tinoyedza kubatsirana sekugona kwedu.




























Comments
chaka chaka chaka (singing)
I pesonally love this program and Dj Sodza vanenge vakabata matomu vanoziva kuita tunhu twavo. Chirongwa chinonakidza, chosuwisa, chombochemedza, chozosekesazve. Hanzi panorairwa mwana wamambo iwe muranda teererawo, potse potse unonzwa pakavigwa tsapo ye ngoda ukaita mari se funny.pwaka pwaka pwaka kuseka hangu nekufarira chirongwa.
I agree mai Besa, especially
I agree mai Besa, especially on the pwaka pwak part, some of the contributions just make one open their mouth wide, and then all of a sudden burst ouy laughing....